-
WORD Research this...Acts 17
- 1 Zvino vakati vagura nemuAmufipori neAporonia, vakasvika paTesaronika, paiva nesinagoge reVaJudha;
- 2 zvino setsika yaPauro wakapinda kwavari, uye kwemasabata matatu akataurirana navo kubva mumagwaro,
- 3 achizarura nekuratidza kuti Kristu waifanira kutambudzika nekumuka kubva kuvakafa, uye kuti: Uyu Jesu, ini wandinoparidza kwamuri, ndiye Kristu.
- 4 Zvino vamwe vavo vakatenda, vakazvibatanidza naPauro naSirasi, nechaunga chikuru cheVaGiriki vaishumira, nekuvakadzi vaikudzwa vasiri vashoma.
- 5 Asi VaJudha vasingatendi vakaita godo, vakatora vamwe varume vakaipa dzaiva simbe dzepamusika, vakaita chaunga, vakamutsira guta bongozozo; vakawira imba yaJasoni, vachitsvaka kuvabudisira kuvanhu;
- 6 asi vakati vasingavawani, vakakakatira Jasoni nedzimwe hama kuvatungamiriri veguta, vachidanidzira vachiti: Ava vakanyonganisa nyika, ivo vasvika panowo,
- 7 avo Jasoni vaakagamuchira; uye ava vese vanoita zvinopesana nezviga zvaKesari, vachiti umwe mambo ariko, anonzi Jesu.
- 8 Uye vakanyonganisa chaunga nevatungamiriri veguta vachinzwa zvinhu izvi.
- 9 Zvino vakati vatora rubatso kuna Jasoni nekuvamwe, vakavaregedza.
- 10 Zvino pakarepo hama dzikatuma Pauro naSirasi kuBheriya neusiku; vakati vachisvika vakabva vakaenda musinagoge reVaJudha.
- 11 Ava vakange vakanaka kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nechido chese, vachinzvera magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvi zvaiva zvakadaro.
- 12 Naizvozvo vazhinji vavo vakatenda, nevevakadzi vaikudzwa veVaGiriki, nevevarume vasiri vashoma.
- 13 Asi VaJudha veTesaronika vakati vachiziva kuti shoko raMwari rinoparidzwa naPauro paBheriyawo, vakasvikapowo vakabvongodza zvaunga.
- 14 Zvino nenguva iyoyo pakarepo hama dzakatuma Pauro seanoenda kugungwa; asi Sirasi naTimotio vakasarapo.
- 15 Zvino avo vakaperekedza Pauro, vakamusvitsa kuAtene; ndokuti vagamuchira kuraira kuna Sirasi naTimotio kuti vakurumidzise kuuya kwaari, vakabva vaenda.
- 16 Zvino Pauro achakavagarira paAtene, mweya wake wakabvongonyodzeka maari, achiona guta rizere zvifananidzo.
- 17 Naizvozvo wakapikisana neVaJudha musinagoge nevainamata Mwari, nepamusika zuva rimwe nerimwe nevanenge varipo.
- 18 Zvino dzimwe nyanzvi dzekufunga dzeVaEpikuro nedzeVaStoiko dzakaita nharo naye. Vamwe ndokuti: Uyu mubvotomoki anoda kurevei? Asi vamwe vakati: Anenge muparidzi wevamwari vekumwe; nokuti neevhangeri wakavaparidzira Jesu nekumuka.
- 19 Zvino vakamubata, vakamuisa paAreopago vachiti: Tingaziva here kuti dzidziso iyi itsva inotaurwa newe chii?
- 20 Nokuti unouisa zvimwe zvinhu zvinoshamisa panzeve dzedu; naizvozvo tinoda kuziva kuti zvinhu izvi zvinoda kuva zvii?
- 21 Nokuti vese VaAtene nevatorwa vaigarapo vakashandisa nguva yavo kwete pane chimwe chinhu, asi kunzwa kana kutaura chinhu chitsva.
- 22 Zvino Pauro amira pakati peAreopago, wakati: Varume VaAtene, pazvinhu zvese ndinoona kuti semune chitendero chikuru.
- 23 Nokuti ndati ndichipfuura nekucherekedza zvinhu zvenyu zvamunonamata, ndawana aritariwo yakanyorwa kuti: KUNA MWARI ASINGAZIKANWI. Naizvozvo uyo wamunonamata musingazivi, ndiye ini wandinokuparidzirai.
- 24 Mwari wakaita nyika nezvinhu zvese zviri mairi, iye ari Ishe wedenga nepasi, haagari mutembere dzakaitwa nemaoko,
- 25 uye haashumirwi nemaoko evanhu, seanoshaiwa chinhu, nokuti iye anopa vese upenyu nekufema nezvinhu zvese;
- 26 uye wakaita kubva paropa rimwe marudzi ese evanhu, kuti agare pachiso chese chenyika, atara nguva dzakagara dzatemwa uye miganhu yeugaro hwavo;
- 27 kuti vatsvake Ishe, zvimwe zvirokwazvo vamutsvangadzire vamuwane, kunyange asiri kure neumwe neumwe wedu.
- 28 Nokuti maari tinorarama uye tinofamba uye tiripo; sezvo vamwewo vanyanduri vekwenyu vakati: Nokuti tiri zvizvarwa zvakewo.
- 29 Naizvozvo zvatiri zvizvarwa zvaMwari, hatifaniri kufunga kuti uMwari hwakafanana negoridhe kana sirivheri kana ibwe, zvakavezwa neumhizha kana murangariro wemunhu.
- 30 Naizvozvo nguva dzekusaziva Mwari wakarega kurangarira, ikozvino anoraira vanhu vese kwese-kwese kuti vatendeuke.
- 31 Nokuti wakatara zuva, raachatonga nyika mukururama, nemurume waakagadza, akasimbisa kune vese, pakumumutsa kubva kuvakafa.
- 32 Zvino vakati vanzwa zvekumuka kwevakafa, vamwe vakasveveredza, asi vamwe vakati: Tichazokunzwazve pamusoro paizvozvi.
- 33 Zvino nokudaro Pauro wakabuda pakati pavo.
- 34 Asi vamwe varume vakamunamatira, vakatenda; pakati pavo Dhionisiowo muAreopago, nemukadzi wainzi Dhamarisi, nevamwe vanavo.
-
King James Version (kjv)
- Afrikaans
- Albanian
- Arabic
- Armenian
- Basque
- Breton
- Calo
- Chamorro
- Cherokee
- Chinese
- Coptic
- Croatian
- Czech
- Danish
- Dari
- Dutch
-
English
American King James Version (akjv) American Standard Version (asv) Basic English Bible (basicenglish) Douay Rheims (douayrheims) John Wycliffe Bible (c.1395) (wycliffe) King James Version (kjv) King James Version (1769) with Strongs Numbers and Morphology and CatchWords, including Apocrypha (without glosses) (kjva) Webster's Bible (wb) Weymouth NT (weymouth) William Tyndale Bible (1525/1530) (tyndale) World English Bible (web) Young's Literal Translation (ylt)
- English and Klingon.
- Esperanto
- Estonian
- Finnish
- French
- German
- Gothic
- Greek
- Greek Modern
- Hebrew
- Hungarian
- Italian
- Japanese
- Korean
- Latin
- Latvian
- Lithuanian
- Malagasy
- Malayalam
- Manx Gaelic
- Maori
- Mongolian
- Myanmar Burmse
- Ndebele
- Norwegian bokmal
- Norwegian nynorsk
- Pohnpeian
- Polish
- Portuguese
- Potawatomi
- Romanian
- Russian
- Scottish Gaelic
- Serbian
- Shona
- Slavonic Elizabeth
- Spanish
- Swahili
- Swedish
- Syriac
- Tagalog
- Tausug
- Thai
- Tok Pisin
- Turkish
- Ukrainian
- Uma
- Vietnamese
-
-
Active Persistent Session:
To use a different persistent session key, simply add it above, and click the button below.
How This All Works
Your persistent session key, together with your favourite verse, authenticates you. It links to all your notes and tags in the Bible. You can share it with loved ones so they can see your notes and tags.
However, to modify your notes and tags, you need both the persistent session key and your favourite verse.
Please Keep Your Favourite Verse Private
Your persistent session key and favourite verse provide you exclusive access to edit your notes and tags. Think of your persistent session key as a username and your favourite verse as a password. Therefore, ensure your favourite verse is kept private.
The persistent session key allows viewing, while editing is only possible when the correct favourite verse is provided.
-
Loading...
-
-
Shona Bible (shona - 2.1.1)
2019-01-07Shona (sn)
The Shona Bible that is offered here to you is a work in progress at the time of writing 2013.
- Encoding: UTF-8
- Direction: LTR
- LCSH: Bible.Shona
- Distribution Abbreviation: shona
License
GFDL
Source (OSIS)
http://bibleconsultants.nl/downloads/shona/new-testament-2013/
- history_1.1
- Minor addition to .conf data
- history_2.0
- (2017-08-19) Text updated up until 2013
- history_2.0.1
- (2017-08-23) Minor conf change
- history_2.1
- (2019-01-07) Tool chain update
- history_2.1.1
- (2022-08-06) Fix repeated MinimumVersion in conf file
Basic Hash Usage Explained
At getBible, we've established a robust system to keep our API synchronized with the Crosswire project's modules. Let me explain how this integration works in simple terms.
We source our Bible text directly from the Crosswire modules. To monitor any updates, we generate "hash values" for each chapter, book, and translation. These hash values serve as unique identifiers that change only when the underlying content changes, thereby ensuring a tight integration between getBible and the Crosswire modules.
Every month, an automated process runs for approximately three hours. During this window, we fetch the latest Bible text from the Crosswire modules. Subsequently, we compare the new hash values and the text with the previous ones. Any detected changes trigger updates to both our official getBible hash repository and the Bible API for all affected translations. This system has been operating seamlessly for several years.
Once the updates are complete, any application utilizing our Bible API should monitor the hash values at the chapter, book, or translation level. Spotting a change in these values indicates that they should update their respective systems.
Hash values can change due to various reasons, including textual corrections like adding omitted verses, rectifying spelling errors, or addressing any discrepancies flagged by the publishers maintaining the modules at Crosswire.
The Crosswire initiative, also known as the SWORD Project, is the "source of truth" for getBible. Any modifications in the Crosswire modules get reflected in our API within days, ensuring our users access the most precise and current Bible text. We pledge to uphold this standard as long as getBible exists and our build scripts remain operational.
We're united in our mission to preserve the integrity and authenticity of the Bible text. If you have questions or require additional information, please use our support system. We're here to assist and will respond promptly.
Thank you for your understanding and for being an integral part of the getBible community.
Favourite Verse
You should select one of your favourite verses.
This verse in combination with your session key will be used to authenticate you in the future.
This is currently the active session key.
Should you have another session key from a previous session.
You can add it here to load your previous session.