-
WORD Research this...Acts 20
- 1 Shure kwekuguma kwemhirizhonga, Pauro akadanira kwaari vadzidzi, akavambundikira, akabuda kuti aende kuMakedhonia.
- 2 Zvino wakati agura nemativi iwawo, avakurudzira nemashoko mazhinji, akasvika kuGirisi,
- 3 akati agara mwedzi mitatu, rangano yaitwa neVaJudha pamusoro pake, ava kuda kuenda kuSiriya nechikepe, akazvipira kudzokera nemuMakedhonia.
- 4 Zvino Sopatro weBheriya wakamuperekedza kusvika kuAsia, neveVaTesaronika, Arisitako naSekundo, naGayo weDhebhe, naTimotio, uye Tikiko naTrofimo VaAsia.
- 5 Ava vakatungamira vakatimirira paTroasi.
- 6 Asi isu takabva Firipi nechikepe mushure memazuva ezvingwa zvisina mbiriso, zvino takasvika kwavari paTroasi mumazuva mashanu, patakagara mazuva manomwe.
- 7 Zvino nemusi wekutanga wevhiki, vadzidzi vakaungana kumedura chingwa, Pauro akaparidza kwavari, achida kubva chifume, akaredzva nhaurwa kusvikira pakati peusiku.
- 8 Zvino kwakange kune mwenje mizhinji mukamuri yekumusoro mavakange vakaungana.
- 9 Zvino pahwindo pakange pagere rimwe jaya rainzi Yutikosi, rikabatwa nehope kwazvo, Pauro wakati achiparidza nguva refu, iro rikakundwa nehope, rikawira pasi, kubva panhurikwa yechitatu, ndokunongwa rafa.
- 10 Zvino Pauro akaburuka akazviwisira pamusoro paro, akarimbundikira akati: Musazvinetsa; nokuti mweya waro uri mariri.
- 11 Wakati akwirazve ndokumedura chingwa ndokudya, akataura navo nguva refu kusvikira kuchiedza, saizvozvo wakaenda.
- 12 Zvino vakauya nemukomana ari mupenyu, vakanyaradzwa zvisati zviri zvishoma.
- 13 Asi isu, takatungamira kuchikepe, tikaenda nechikepe kuAso, takananga kukwidza Pauro ipapo; nokuti wakange aronga saizvozvo, iye achitarisira kufamba netsoka.
- 14 Zvino wakati asangana nesu paAso, tikamukwidza tikasvika kuMitirene,
- 15 tikabva ipapo nechikepe, chifume tikasvika pakatarisana neKiyo; chifume tikasvika paSamo; ndokugara paTrogiriamu, chifume tikasvika Mireto.
- 16 Nokuti Pauro wakange akazvipira kupfuura Efeso nechikepe, kuti asapedza nguva paAsia; nokuti waimhanya, kana zvichibvira kwaari, ave paJerusarema nezuva rePendekosita.
- 17 Zvino ari paMireto wakatumira kuEfeso akadanira vakuru vekereke kwaari.
- 18 Zvino vakati vasvika kwaari, akati kwavari: Imwi munoziva kubva pazuva rekutanga randakasvika muAsia, kuti ndakava nemwi sei nguva dzese,
- 19 ndichibatira Ishe nekuzvininipisa kwese uye nemisodzi mizhinji, nemiedzo yakandiwira nerangano dzeVaJudha;
- 20 kuti handina sei kuvanza zvezvingabatsira, kusakuparidzirai nekukudzidzisai pachena uye muimba neimba,
- 21 ndichipupura zvese kuVaJudha nekuVaGiriki kutendeukira kuna Mwari, nerutendo kuna Ishe wedu Jesu Kristu.
- 22 Zvino ikozvino tarirai, ini ndinoenda kuJerusarema ndakasungwa neMweya, ndisingazivi zvichandiwira mariri,
- 23 kunze kwekuti Mweya Mutsvene anopupura muguta rimwe nerimwe achiti zvisungo nenhamo zvakandigarira.
- 24 Asi handirangariri chinhu pane izvi, uye handiverengeri upenyu hwangu kuti chinhu chinokosha kwandiri kuti ndipedze rwendo rwangu nemufaro nebasa randakagamuchira kuna Ishe Jesu rekupupura evhangeri yenyasha dzaMwari.
- 25 Zvino ikozvino tarirai, ini ndinoziva kuti imwi mese, vandakafamba pakati penyu ndichiparidza ushe hwaMwari, hamuchazooni chiso changu.
- 26 Naizvozvo ndinopupura kwamuri nezuva ranhasi, kuti ini ndakachena paropa revese;
- 27 nokuti handina kuvanza kwekusakuparidzirai zano rese raMwari.
- 28 Naizvozvo zvichenjererei imwi, neboka rese Mweya Mutsvene paakakugadzai vatariri pamusoro paro, kuti mufudze kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake amene.
- 29 Nokuti ini ndinoziva izvi, kuti shure kwekuenda kwangu mapumhi anorura achapinda pakati penyu, asingaregi boka;
- 30 uye kubva pamuri imwi momene pachamuka varume vachataura zvinhu zvinotsausa, kuti vakwezve vadzidzi vavatevere.
- 31 Naizvozvo rindai, murangarire kuti kwemakore matatu handina kuguma siku nesikati kuyambira umwe neumwe nemisodzi.
- 32 Uye ikozvino hama, ndinokukumikidzai kuna Mwari nekushoko renyasha dzake, iye anogona kukuvakai, nekukupai nhaka pakati pevese vakaitwa vatsvene.
- 33 Handina kuchiva sirivheri kana goridhe kana nguvo yemunhu.
- 34 Imwiwo momene munoziva kuti maoko awa akabatira kushaiwa kwangu nekwevaiva neni.
- 35 Pazvinhu zvese ndakakuratidzai, kuti muchibata saizvozvi munofanira kubatsira vane utera, nekurangarira mashoko aIshe Jesu, kuti iye wakati: Kwakaropafadzwa kupa kupfuura kugamuchira.
- 36 Zvino wakati ataura zvinhu izvi, akafugama, akanyengetera navo vese.
- 37 Kukava nekuchema kwavo vese kukuru; vakawira pamutsipa waPauro vakamutsvoda,
- 38 vachishungurudzika zvikuru neshoko raakataura, kuti havachazooni chiso chake. Zvino vakamuperekedza kuchikepe.
-
King James Version (kjv)
- Afrikaans
- Albanian
- Arabic
- Armenian
- Basque
- Breton
- Calo
- Chamorro
- Cherokee
- Chinese
- Coptic
- Croatian
- Czech
- Danish
- Dari
- Dutch
-
English
American King James Version (akjv) American Standard Version (asv) Basic English Bible (basicenglish) Douay Rheims (douayrheims) John Wycliffe Bible (c.1395) (wycliffe) King James Version (kjv) King James Version (1769) with Strongs Numbers and Morphology and CatchWords, including Apocrypha (without glosses) (kjva) Webster's Bible (wb) Weymouth NT (weymouth) William Tyndale Bible (1525/1530) (tyndale) World English Bible (web) Young's Literal Translation (ylt)
- English and Klingon.
- Esperanto
- Estonian
- Finnish
- French
- German
- Gothic
- Greek
- Greek Modern
- Hebrew
- Hungarian
- Italian
- Japanese
- Korean
- Latin
- Latvian
- Lithuanian
- Malagasy
- Malayalam
- Manx Gaelic
- Maori
- Mongolian
- Myanmar Burmse
- Ndebele
- Norwegian bokmal
- Norwegian nynorsk
- Pohnpeian
- Polish
- Portuguese
- Potawatomi
- Romanian
- Russian
- Scottish Gaelic
- Serbian
- Shona
- Slavonic Elizabeth
- Spanish
- Swahili
- Swedish
- Syriac
- Tagalog
- Tausug
- Thai
- Tok Pisin
- Turkish
- Ukrainian
- Uma
- Vietnamese
-
-
Active Persistent Session:
To use a different persistent session key, simply add it above, and click the button below.
How This All Works
Your persistent session key, together with your favourite verse, authenticates you. It links to all your notes and tags in the Bible. You can share it with loved ones so they can see your notes and tags.
However, to modify your notes and tags, you need both the persistent session key and your favourite verse.
Please Keep Your Favourite Verse Private
Your persistent session key and favourite verse provide you exclusive access to edit your notes and tags. Think of your persistent session key as a username and your favourite verse as a password. Therefore, ensure your favourite verse is kept private.
The persistent session key allows viewing, while editing is only possible when the correct favourite verse is provided.
-
Loading...
-
-
Shona Bible (shona - 2.1.1)
2019-01-07Shona (sn)
The Shona Bible that is offered here to you is a work in progress at the time of writing 2013.
- Encoding: UTF-8
- Direction: LTR
- LCSH: Bible.Shona
- Distribution Abbreviation: shona
License
GFDL
Source (OSIS)
http://bibleconsultants.nl/downloads/shona/new-testament-2013/
- history_1.1
- Minor addition to .conf data
- history_2.0
- (2017-08-19) Text updated up until 2013
- history_2.0.1
- (2017-08-23) Minor conf change
- history_2.1
- (2019-01-07) Tool chain update
- history_2.1.1
- (2022-08-06) Fix repeated MinimumVersion in conf file
Basic Hash Usage Explained
At getBible, we've established a robust system to keep our API synchronized with the Crosswire project's modules. Let me explain how this integration works in simple terms.
We source our Bible text directly from the Crosswire modules. To monitor any updates, we generate "hash values" for each chapter, book, and translation. These hash values serve as unique identifiers that change only when the underlying content changes, thereby ensuring a tight integration between getBible and the Crosswire modules.
Every month, an automated process runs for approximately three hours. During this window, we fetch the latest Bible text from the Crosswire modules. Subsequently, we compare the new hash values and the text with the previous ones. Any detected changes trigger updates to both our official getBible hash repository and the Bible API for all affected translations. This system has been operating seamlessly for several years.
Once the updates are complete, any application utilizing our Bible API should monitor the hash values at the chapter, book, or translation level. Spotting a change in these values indicates that they should update their respective systems.
Hash values can change due to various reasons, including textual corrections like adding omitted verses, rectifying spelling errors, or addressing any discrepancies flagged by the publishers maintaining the modules at Crosswire.
The Crosswire initiative, also known as the SWORD Project, is the "source of truth" for getBible. Any modifications in the Crosswire modules get reflected in our API within days, ensuring our users access the most precise and current Bible text. We pledge to uphold this standard as long as getBible exists and our build scripts remain operational.
We're united in our mission to preserve the integrity and authenticity of the Bible text. If you have questions or require additional information, please use our support system. We're here to assist and will respond promptly.
Thank you for your understanding and for being an integral part of the getBible community.
Favourite Verse
You should select one of your favourite verses.
This verse in combination with your session key will be used to authenticate you in the future.
This is currently the active session key.
Should you have another session key from a previous session.
You can add it here to load your previous session.