-
WORD Research this...John 11
- 1 Kwaiva neumwe wairwara, wainzi Razaro weBhetaniya, mumusha waMaria nemukoma wake Marita.
- 2 Waiva iye Maria wakazodza Ishe nemafuta, akapusika tsoka dzake nevhudzi rake, hanzvadzi yake Razaro wakange achirwara.
- 3 Naizvozvo hanzvadzi dzakatumira kwaari dzichiti: Ishe, tarirai uyo wamunoda anorwara.
- 4 Jesu wakati anzwa akati: Ukosha uhu hahusviki murufu, asi ndehwembiri yaMwari, kuti Mwanakomana waMwari arumbidzwe nahwo.
- 5 Zvino Jesu wakange achida Marita nemunin'ina wake naRazaro.
- 6 Naizvozvo wakati anzwa kuti anorwara, ipapo akagara mazuva maviri panzvimbo paakange ari.
- 7 Shure kweizvozvo wakati kuvadzidzi: Hendeizve kuJudhiya.
- 8 Vadzidzi vakati kwaari: Rabhi*, VaJudha vachangobva kutsvaka kukutakai nemabwe; zvino moendazve ikoko here?
- 9 Jesu akapindura akati: Hapana maawa gumi nemaviri masikati here? Kana munhu achifamba masikati, haagumburwi, nokuti anoona chiedza chenyika ino.
- 10 Asi kana munhu achifamba usiku, anogumburwa, nokuti hamuna chiedza maari.
- 11 Wakataura zvinhu izvi, shure kweizvozvo ndokuti kwavari: Shamwari yedu Razaro yarara; asi ndinoenda kuti ndimumutse.
- 12 Naizvozvo vadzidzi vake vakati: Ishe, kana arere, achanaya.
- 13 Asi Jesu wakareva zverufu rwake; asi ivo vakafunga kuti anoreva kuzorora kwehope.
- 14 Naizvozvo ipapo Jesu akavaudza pachena: Razaro wafa.
- 15 Zvino ndinofara nekuda kwenyu kuti ndakange ndisipo, kuti mugotenda; asi hendei kwaari.
- 16 Naizvozvo Tomasi, wainzi Dhidhimo, wakati kuvadzidzi pamwe naye: Hendei isuwo kuti tinofa naye.
- 17 Zvino Jesu wakati achisvika, akawana atova muguva mazuva mana.
- 18 Zvino Bhetaniya rakange riri pedo neJerusarema, masitadhiya* anenge gumi nemashanu kubva ipapo;
- 19 nevazhinji veVaJudha vakange vauya kuna Marita naMaria, kuti vavanyaradze pamusoro pehanzvadzi yavo.
- 20 Zvino Marita wakati anzwa kuti Jesu wouya, akaenda kunomuchingamidza; asi Maria wakagara mumba.
- 21 Marita ndokuti kuna Jesu: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.
- 22 Asi naikozvino ndinoziva kuti zvipi zvazvo zvamunokumbira kuna Mwari, Mwari achakupai.
- 23 Jesu akati kwaari: Hanzvadzi yako ichamukazve.
- 24 Marita akati kwaari: Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka nezuva rekupedzisira.
- 25 Jesu akati kwaari: Ndini kumuka neupenyu; anotenda kwandiri, kunyange akafa, achararama;
- 26 uye umwe neumwe anorarama uye anotenda kwandiri, haangatongofi nekusingaperi. Unotenda izvi here?
- 27 Akati kwaari: Hongu, Ishe; ini ndinotenda kuti ndimwi Kristu, Mwanakomana waMwari, waizouya panyika.
- 28 Zvino wakati areva izvi akaenda, akanodana Maria munin'ina wake pachivande, akati: Mudzidzisi wasvika, anokudana.
- 29 Iye wakati achingozvinzwa, akakurumidza kusimuka akaenda kwaari.
- 30 Zvino Jesu wakange asati asvika pamusha, asi wakange achiri panzvimbo Marita paakamuchingamidza.
- 31 Naizvozvo VaJudha vakange vanaye mumba vachimunyaradza, vakati vachiona Maria kuti wakasimuka nekukurumidza achibuda, vakamutevera vachiti: Anoenda kuguva kuti acheme ikoko.
- 32 Zvino Maria, wakati achisvika pakange pana Jesu, achimuona, akawira patsoka dzake, achiti kwaari: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.
- 33 Naizvozvo Jesu wakati achimuona achichema, VaJudhawo vachichema vakange vauya naye, akagomera mumweya, akazvitambudza,
- 34 akati: Mamuradzikepi? Vakati kwaari: Ishe, uyai muone.
- 35 Jesu akachema misodzi.
- 36 Zvino VaJudha vakati: Tarirai kuti waimuda sei.
- 37 Asi vamwe vavo vakati: Uyu wakasvinudza meso ebofu, haagoni kuita here kuti uyuwo asafa?
- 38 Naizvozvo Jesu wakagomerazve mukati make asvika paguva. Zvino raiva bako, nebwe rakange rakaradzikwa pamusoro paro.
- 39 Jesu akati: Bvisai ibwe. Marita hanzvadzi yewakafa akati kwaari: Ishe, wotonhuhwa; nokuti ane mazuva mana.
- 40 Jesu akati kwaari: Handina kutaura here kwauri, kuti kana ukatenda, uchaona kubwinya kwaMwari?
- 41 Naizvozvo vakabvisa ibwe, pakange paradzikwa wakafa. Jesu ndokusimudzira meso kumusoro, ndokuti: Baba, ndinokuvongai nokuti mandinzwa.
- 42 Asi ini ndanga ndichiziva kuti munondinzwa nguva dzese; asi nekuda kwechaunga chakakomberedza ndareva, kuti vatende kuti imwi makandituma.
- 43 Zvino wakati areva izvozvi, akadanidzira nenzwi guru, akati: Razaro, buda!
- 44 Uyo wakange afa ndokubuda, akasungwa makumbo nemaoko nemicheka yeguva, nechiso chake chakapombwa nemucheka wekumeso. Jesu akati kwavari: Musunungurei, mumurege aende.
- 45 Naizvozvo vazhinji veVaJudha, vakange vauya kuna Maria vakati vaona Jesu zvaakaita, vakatenda kwaari.
- 46 Asi vamwe vavo vakaenda kuVaFarisi, ndokuvaudza zvinhu Jesu zvaakange aita.
- 47 Naizvozvo vapristi vakuru neVaFarisi vakaunganidza dare remakurukota, vakati: Todini? Nokuti uyu munhu anoita zviratidzo zvizhinji.
- 48 Kana tikamurega akadaro, vese vachatenda kwaari; neVaRoma vachauya vakatora zviri zviviri nzvimbo nerudzi rwedu.
- 49 Asi umwe wavo, Kayafasi, wakange ari mupristi mukuru gore iroro, akati kwavari: Hamuzivi chinhu imwi,
- 50 uye hamurangariri kuti zvakatinakira kuti munhu umwe afire vanhu, uye rudzi rwese rurege kuparara.
- 51 Asi haana kureva izvi pachake, asi zvaakange ari mupristi mukuru gore iro, wakaporofita kuti Jesu waizofira rudzi urwo,
- 52 uye kwete rudzi urwo rwega, asi kutiwo aunganidze vana vaMwari vakapararira vave umwe.
- 53 Zvino kubva pazuva iro vakarangana kuti vamuuraye.
- 54 Naizvozvo Jesu haana kuzombofamba pachena pakati peVaJudha, asi wakabvapo akaenda kunyika iri pedo nerenje, kuguta rainzi Efuremu, ndokugarako nevadzidzi vake.
- 55 Zvino pasika yeVaJudha yakange yaswedera; vazhinji ndokubuda mumaruwa vakakwira kuJerusarema pasika isati yasvika, kuti vazvichenure.
- 56 Naizvozvo vakatsvaka Jesu, vakataurirana vamire mutembere, vachiti: Munofungei? Kuti haangatongouyi kumutambo here?
- 57 Zvino vese vapristi vakuru neVaFarisi vakange vapa murairo kuti kana kune anoziva kwaari, azivise, kuti vamubate.
-
King James Version (kjv)
- Afrikaans
- Albanian
- Arabic
- Armenian
- Basque
- Breton
- Calo
- Chamorro
- Cherokee
- Chinese
- Coptic
- Croatian
- Czech
- Danish
- Dari
- Dutch
-
English
American King James Version (akjv) American Standard Version (asv) Basic English Bible (basicenglish) Douay Rheims (douayrheims) John Wycliffe Bible (c.1395) (wycliffe) King James Version (kjv) King James Version (1769) with Strongs Numbers and Morphology and CatchWords, including Apocrypha (without glosses) (kjva) Webster's Bible (wb) Weymouth NT (weymouth) William Tyndale Bible (1525/1530) (tyndale) World English Bible (web) Young's Literal Translation (ylt)
- English and Klingon.
- Esperanto
- Estonian
- Finnish
- French
- German
- Gothic
- Greek
- Greek Modern
- Hebrew
- Hungarian
- Italian
- Japanese
- Korean
- Latin
- Latvian
- Lithuanian
- Malagasy
- Malayalam
- Manx Gaelic
- Maori
- Mongolian
- Myanmar Burmse
- Ndebele
- Norwegian bokmal
- Norwegian nynorsk
- Pohnpeian
- Polish
- Portuguese
- Potawatomi
- Romanian
- Russian
- Scottish Gaelic
- Serbian
- Shona
- Slavonic Elizabeth
- Spanish
- Swahili
- Swedish
- Syriac
- Tagalog
- Tausug
- Thai
- Tok Pisin
- Turkish
- Ukrainian
- Uma
- Vietnamese
-
-
Active Persistent Session:
To use a different persistent session key, simply add it above, and click the button below.
How This All Works
Your persistent session key, together with your favourite verse, authenticates you. It links to all your notes and tags in the Bible. You can share it with loved ones so they can see your notes and tags.
However, to modify your notes and tags, you need both the persistent session key and your favourite verse.
Please Keep Your Favourite Verse Private
Your persistent session key and favourite verse provide you exclusive access to edit your notes and tags. Think of your persistent session key as a username and your favourite verse as a password. Therefore, ensure your favourite verse is kept private.
The persistent session key allows viewing, while editing is only possible when the correct favourite verse is provided.
-
Loading...
-
-
Shona Bible (shona - 2.1.1)
2019-01-07Shona (sn)
The Shona Bible that is offered here to you is a work in progress at the time of writing 2013.
- Encoding: UTF-8
- Direction: LTR
- LCSH: Bible.Shona
- Distribution Abbreviation: shona
License
GFDL
Source (OSIS)
http://bibleconsultants.nl/downloads/shona/new-testament-2013/
- history_1.1
- Minor addition to .conf data
- history_2.0
- (2017-08-19) Text updated up until 2013
- history_2.0.1
- (2017-08-23) Minor conf change
- history_2.1
- (2019-01-07) Tool chain update
- history_2.1.1
- (2022-08-06) Fix repeated MinimumVersion in conf file
Basic Hash Usage Explained
At getBible, we've established a robust system to keep our API synchronized with the Crosswire project's modules. Let me explain how this integration works in simple terms.
We source our Bible text directly from the Crosswire modules. To monitor any updates, we generate "hash values" for each chapter, book, and translation. These hash values serve as unique identifiers that change only when the underlying content changes, thereby ensuring a tight integration between getBible and the Crosswire modules.
Every month, an automated process runs for approximately three hours. During this window, we fetch the latest Bible text from the Crosswire modules. Subsequently, we compare the new hash values and the text with the previous ones. Any detected changes trigger updates to both our official getBible hash repository and the Bible API for all affected translations. This system has been operating seamlessly for several years.
Once the updates are complete, any application utilizing our Bible API should monitor the hash values at the chapter, book, or translation level. Spotting a change in these values indicates that they should update their respective systems.
Hash values can change due to various reasons, including textual corrections like adding omitted verses, rectifying spelling errors, or addressing any discrepancies flagged by the publishers maintaining the modules at Crosswire.
The Crosswire initiative, also known as the SWORD Project, is the "source of truth" for getBible. Any modifications in the Crosswire modules get reflected in our API within days, ensuring our users access the most precise and current Bible text. We pledge to uphold this standard as long as getBible exists and our build scripts remain operational.
We're united in our mission to preserve the integrity and authenticity of the Bible text. If you have questions or require additional information, please use our support system. We're here to assist and will respond promptly.
Thank you for your understanding and for being an integral part of the getBible community.
Favourite Verse
You should select one of your favourite verses.
This verse in combination with your session key will be used to authenticate you in the future.
This is currently the active session key.
Should you have another session key from a previous session.
You can add it here to load your previous session.