-
WORD Research this...Luke 20
- 1 Zvino zvakaitika parimwe remazuva iwayo, achidzidzisa vanhu mutembere nekuparidza evhangeri, vapristi vakuru nevanyori vakasvika nevakuru,
- 2 ndokutaura kwaari vachiti: Tiudzei, munoita zvinhu izvi nesimba ripi, kana ndiani iye wakakupai simba iri?
- 3 Zvino wakapindura akati kwavari: Ini ndichakubvunzaiwo shoko rimwe; uye mundiudze:
- 4 Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabva kudenga, kana kuvanhu?
- 5 Zvino vakarangana, vachiti: Kana tikati: Kudenga; achati: Naizvozvo makaregerei kumutenda?
- 6 Asi kana tikati: Kuvanhu; vanhu vese vachatitaka nemabwe; nokuti vaiva nechokwadi kuti Johwani waiva muporofita.
- 7 Vakapindura, vachiti havazivi kwarwakabva.
- 8 Jesu ndokuti kwavari: Neni handikuudzii kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi.
- 9 Zvino wakatanga kuudza vanhu mufananidzo uyu: Umwe munhu wakasima munda wemizambiringa, akauhaisa kuvarimi, akaenda parwendo nguva refu;
- 10 zvino nenguva yakafanira wakatuma muranda kuvarimi, kuti vamupe zvechibereko chemunda wemizambiringa; asi varimi vakamurova, vakamuendesa asina chinhu.
- 11 Zvino wakatumazve umwe muranda; naiye vakamurovawo vakamunyadzisa, vakamuendesa asina chinhu.
- 12 Zvino wakatumazve wechitatu; uyuwo ndokumukuvadza, vakamukandira kunze.
- 13 Zvino mwene wemunda wemizambiringa wakati: Ndichaitei? Ndichatuma mwanakomana wangu anodikanwa, zvimwe vakaona iye vachamukudza.
- 14 Asi varimi vakati vachimuona vakarangana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai, ngatimuuraye, kuti nhaka igova yedu.
- 15 Vakamukandira kunze kwemunda wemizambiringa, vakamuuraya. Naizvozvo mwene wemunda wemizambiringa achavaitirei?
- 16 Achauya, ndokuparadza varimi ivava, agopa munda wemizambiringa vamwe. Zvino vachinzwa, vakati: Zvisadaro!
- 17 Asi wakavatarisa, akati: Naizvozvo chii ichi chakanyorwa, chinoti: Ibwe vavaki ravakaramba, ndiro rava musoro wekona?
- 18 Wese anowira pamusoro pebwe iro, achavhuniwa-vhuniwa; asi ani nani warinowira pamusoro richamukuya.
- 19 Zvino vapristi vakuru nevanyori neawa iroro vakatsvaka kuisa maoko paari, asi vakatya vanhu; nokuti vakaziva kuti wakareva mufananidzo uyu akanangana navo.
- 20 Vakamucherekedza, vakatumira vashori vakanyepedzera kuva vakarurama, kuti vamubate pakutaura, kuti vamukumikidze kuushe nesimba remutungamiriri.
- 21 Zvino vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura nekudzidzisa zvakarurama, uye hamugamuchiri chiso, asi munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi.
- 22 Zviri pamutemo here kwatiri kupa mutero kuna Kesari, kana kwete?
- 23 Asi wakaziva unyengeri hwavo, akati kwavari: Munondiidzirei?
- 24 Ndiratidzei dhenario*; rine mufananidzo nerunyoro rwaani? Vakapindura vakati: ZvaKesari.
- 25 Ndokuti kwavari: Naizvozvo dzorerai kuna Kesari zvinhu zvaKesari, nekuna Mwari zvinhu zvaMwari.
- 26 Vakakoniwa kumubata neshoko rake pamberi pevanhu; vakashamisika nemhinduro yake; vakanyarara.
- 27 Zvino kwakaswedera vamwe veVaSadhusi, vanoramba kuti kune kumuka, ndokumubvunza,
- 28 vachiti: Mudzidzisi, Mozisi wakatinyorera kuti: Kana mukoma wemunhu akafa ane mukadzi, asi iye akafa asina vana, munin'ina wake atore mukadzi, amutsire mukoma wake mbeu.
- 29 Naizvozvo kwakange kune vanakomana vemunhu umwe vanomwe; wekutanga ndokutora mukadzi, akafa asina mwana;
- 30 newechipiri akatora mukadzi uyo, neuyu akafa asina mwana;
- 31 newechitatu akamutora. Zvikadarowo nevanomwe, uye vakasasiya vana, vakafa.
- 32 Pakupedzisira kwavo vese mukadzi wakafawo.
- 33 Naizvozvo pakumuka, achava mukadzi waani kwavari? Nokuti vanomwe vakava naye semukadzi.
- 34 Zvino Jesu wakapindura akati kwavari: Vana venyika ino vanowana, vanowaniswa;
- 35 asi avo vachanzi vakafanira kuwana nyika iyo nekumuka kubva kuvakafa havawani kana kuwaniswa;
- 36 nokuti havagoni kufazve; nokuti vakaita sevatumwa, uye vanakomana vaMwari, vari vanakomana vekumuka.
- 37 Asi kuti vakafa vanomutswa, kunyange Mozisi wakaratidza pagwenzi reminzwa, paakaidza Ishe Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho.
- 38 Nokuti haasi Mwari wevakafa, asi wevapenyu; nokuti vese vanoraramira iye.
- 39 Zvino vamwe vevanyori vakapindura vakati: Mudzidzisi, mataura zvakanaka.
- 40 Uye havana kuzoshinga kumubvunzazve chinhu.
- 41 Zvino wakati kwavari: Vanoreva sei kuti Kristu Mwanakomana waDavhidhi?
- 42 Nokuti Dhavhidhi pachake wakareva mubhuku reMapisarema achiti: Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rwerudyi,
- 43 kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.
- 44 Naizvozvo Dhavhidhi anomuidza Ishe, ko Mwanakomana wake sei?
- 45 Zvino vanhu vese vachakateerera, wakati kuvadzidzi vake:
- 46 Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, uye vanoda kwaziso pamisika, nezvigaro zvepamusorosa mumasinagoge, nezvigaro zvemberi pazvirairo;
- 47 vanodya dzimba dzechirikadzi, vanonyepedzera nekuita minyengetero mirefu; ivavo vachagamuchira mutongo mukuru.
-
King James Version (kjv)
- Afrikaans
- Albanian
- Arabic
- Armenian
- Basque
- Breton
- Calo
- Chamorro
- Cherokee
- Chinese
- Coptic
- Croatian
- Czech
- Danish
- Dari
- Dutch
-
English
American King James Version (akjv) American Standard Version (asv) Basic English Bible (basicenglish) Douay Rheims (douayrheims) John Wycliffe Bible (c.1395) (wycliffe) King James Version (kjv) King James Version (1769) with Strongs Numbers and Morphology and CatchWords, including Apocrypha (without glosses) (kjva) Webster's Bible (wb) Weymouth NT (weymouth) William Tyndale Bible (1525/1530) (tyndale) World English Bible (web) Young's Literal Translation (ylt)
- English and Klingon.
- Esperanto
- Estonian
- Finnish
- French
- German
- Gothic
- Greek
- Greek Modern
- Hebrew
- Hungarian
- Italian
- Japanese
- Korean
- Latin
- Latvian
- Lithuanian
- Malagasy
- Malayalam
- Manx Gaelic
- Maori
- Mongolian
- Myanmar Burmse
- Ndebele
- Norwegian bokmal
- Norwegian nynorsk
- Pohnpeian
- Polish
- Portuguese
- Potawatomi
- Romanian
- Russian
- Scottish Gaelic
- Serbian
- Shona
- Slavonic Elizabeth
- Spanish
- Swahili
- Swedish
- Syriac
- Tagalog
- Tausug
- Thai
- Tok Pisin
- Turkish
- Ukrainian
- Uma
- Vietnamese
-
-
Active Persistent Session:
To use a different persistent session key, simply add it above, and click the button below.
How This All Works
Your persistent session key, together with your favourite verse, authenticates you. It links to all your notes and tags in the Bible. You can share it with loved ones so they can see your notes and tags.
However, to modify your notes and tags, you need both the persistent session key and your favourite verse.
Please Keep Your Favourite Verse Private
Your persistent session key and favourite verse provide you exclusive access to edit your notes and tags. Think of your persistent session key as a username and your favourite verse as a password. Therefore, ensure your favourite verse is kept private.
The persistent session key allows viewing, while editing is only possible when the correct favourite verse is provided.
-
Loading...
-
-
Shona Bible (shona - 2.1.1)
2019-01-07Shona (sn)
The Shona Bible that is offered here to you is a work in progress at the time of writing 2013.
- Encoding: UTF-8
- Direction: LTR
- LCSH: Bible.Shona
- Distribution Abbreviation: shona
License
GFDL
Source (OSIS)
http://bibleconsultants.nl/downloads/shona/new-testament-2013/
- history_1.1
- Minor addition to .conf data
- history_2.0
- (2017-08-19) Text updated up until 2013
- history_2.0.1
- (2017-08-23) Minor conf change
- history_2.1
- (2019-01-07) Tool chain update
- history_2.1.1
- (2022-08-06) Fix repeated MinimumVersion in conf file
Basic Hash Usage Explained
At getBible, we've established a robust system to keep our API synchronized with the Crosswire project's modules. Let me explain how this integration works in simple terms.
We source our Bible text directly from the Crosswire modules. To monitor any updates, we generate "hash values" for each chapter, book, and translation. These hash values serve as unique identifiers that change only when the underlying content changes, thereby ensuring a tight integration between getBible and the Crosswire modules.
Every month, an automated process runs for approximately three hours. During this window, we fetch the latest Bible text from the Crosswire modules. Subsequently, we compare the new hash values and the text with the previous ones. Any detected changes trigger updates to both our official getBible hash repository and the Bible API for all affected translations. This system has been operating seamlessly for several years.
Once the updates are complete, any application utilizing our Bible API should monitor the hash values at the chapter, book, or translation level. Spotting a change in these values indicates that they should update their respective systems.
Hash values can change due to various reasons, including textual corrections like adding omitted verses, rectifying spelling errors, or addressing any discrepancies flagged by the publishers maintaining the modules at Crosswire.
The Crosswire initiative, also known as the SWORD Project, is the "source of truth" for getBible. Any modifications in the Crosswire modules get reflected in our API within days, ensuring our users access the most precise and current Bible text. We pledge to uphold this standard as long as getBible exists and our build scripts remain operational.
We're united in our mission to preserve the integrity and authenticity of the Bible text. If you have questions or require additional information, please use our support system. We're here to assist and will respond promptly.
Thank you for your understanding and for being an integral part of the getBible community.
Favourite Verse
You should select one of your favourite verses.
This verse in combination with your session key will be used to authenticate you in the future.
This is currently the active session key.
Should you have another session key from a previous session.
You can add it here to load your previous session.