-
WORD Research this...Luke 3
- 1 Zvino negore regumi nemashanu rekutonga kwaTibherio Kesari, Pondiyo Pirato ari mutungamiriri weJudhiya, Herodhe ari umwe wevatongi vana weGarirea, Firipi munin'ina wake ari umwe wevatongi vana weIturea nedunhu reTrakoniti, Risanio ari umwe wevatongi vana weAbhirene,
- 2 Anasi naKayafasi vari vapristi vakuru, shoko raMwari rakasvika kuna Johwani mwanakomana waZakaria murenje.
- 3 Akasvika munyika yese yakapoteredza yaJoridhani, achiparidza rubhabhatidzo rwekutendeuka kuve kukanganwirwa kwezvivi;
- 4 sezvazvakanyorwa mubhuku remashoko aIsaya muporofita zvichinzi: Inzwi reanodana murenje richiti: Gadzirai nzira yaIshe; ruramisai migwagwa yake.
- 5 Mupata wese uchafusirwa, negomo rega-rega nechikomo zvichaderedzwa; zvakakombama zvicharuramiswa, uye makwiringwindi ave nzira dzakaenzana;
- 6 uye nyama yese ichaona ruponeso rwaMwari.
- 7 Naizvozvo wakati kuzvaunga zvaibudira kuzobhabhatidzwa naye: Imwi zvizvarwa zvenyoka, ndiani wakakutaridzirai kutiza hasha dzinouya?
- 8 Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka; uye musatanga kuti mukati menyu: Tina Abhurahama anova baba; nokuti ndinoti kwamuri: Mwari anogona kubva pamabwe awa kumutsira Abhurahama vana.
- 9 Ikozvino sanhuwo ratoiswa pamudzi wemiti; naizvozvo muti umwe neumwe usingabereki chibereko chakanaka unotemerwa pasi, ugokandirwa mumoto.
- 10 Zvaunga zvikamubvunza, zvichiti: Zvino tichaitei?
- 11 Akapindura akati kwavari: Ane nguvo refu mbiri, ngaagovane neasina; neane kudya ngaaite saizvozvo.
- 12 Zvino kwakauyawo vateresi kuzobhabhatidzwa, vakati kwaari: Mudzidzisi, tichaitei?
- 13 Akati kwavari: Musateresa kupfuura pamakatemerwa napo.
- 14 Nemautowo akamubvunza, achiti: Ko isu tichaitei? Akati kwaari: Musatyityidzira munhu kana kupomera nhema; uye mugutsikane nemibairo yenyu.
- 15 Zvino vanhu vakati vachatarisira, vese vachirangarira mumoyo mavo pamusoro paJohwani, kuti zvimwe iye angava Kristu,
- 16 Johwani akapindura kune vese achiti: Ini zvirokwazvo ndinokubhabhatidzai nemvura; asi ane simba kupfuura ini anouya, wandisina kufanira kusunungura rukanda rweshangu dzake; iye achakubhabhatidzai neMweya Mutsvene nemoto;
- 17 werusero rwake rwuri muruoko rwake; achachenesa kwazvo buriro rake; uye achaunganidza zviyo mudura rake, asi hundi achaipisa nemoto usingadzimiki.
- 18 Naizvozvo achikurudzira nezvimwe zvinhu zvizhinji, akaparidzira vanhu evhangeri.
- 19 Asi Herodhe umwe wevatongi vana, wakati atsiurwa naye pamusoro paHerodhiasi, mukadzi waFiripi munin'ina wake, nezvakaipa zvese Herodhe zvaakange aita,
- 20 wakawedzerazve ichi pamusoro pazvo zvese, kuti wakapfigira Johwani mutirongo.
- 21 Zvino zvakaitika kuti vanhu vese vabhabhatidzwa, Jesuwo abhabhatidzwa, achinyengetera, denga rakazarurwa.
- 22 Mweya Mutsvene ndokuburukira pamusoro pake nechimiro chemuviri sewenjiva, inzwi ndokubva kudenga, richiti: Iwe uri Mwanakomana wangu anodikanwa, ndinofara mauri kwazvo.
- 23 Zvino iye Jesu wakange achitanga kuva nemakore anenge makumi matatu, ari (sezvaifungidzirwa) mwanakomana waJosefa, waHeri,
- 24 waMatati, waRevhi, waMeriki, waJanai, waJosefa,
- 25 waMatatiasi, waAmosi, waNaumi, waEsiri, waNagai,
- 26 waMaati, waMatatiasi, waSimeyi, waJosefa, waJudha,
- 27 waJohwana, waResa, waZerubhabheri, waSaratieri, waNeri,
- 28 waMeriki, waAdhi, waKosamu, waErimodhamu, waEri,
- 29 waJose, waEriezeri, waJorimu, waMatati, waRevhi,
- 30 waSimioni, waJudha, waJosefa, waJonanu, waEriakimu,
- 31 waMerea, waMenani, waMatata, waNatani, waDhavhidhi,
- 32 waJese, waObhedhi, waBhowazi, waSarimoni, waNaashoni,
- 33 waAminadhabhi, waAramu, waEsiromi, waFaresi, waJudha,
- 34 waJakobho, waIsaka, waAbhurahama, waTera, waNahori,
- 35 waSerugi, waRagau, waFareki, waEberi, waSara,
- 36 waKainani, waArifakisadhi, waSemu, waNowa, waRameki,
- 37 waMatusara, waEnoki, waJaredhi, waMarereeri, waKainani,
- 38 waEnosi, waSeti, waAdhamu, waMwari.
-
King James Version (kjv)
- Afrikaans
- Albanian
- Arabic
- Armenian
- Basque
- Breton
- Calo
- Chamorro
- Cherokee
- Chinese
- Coptic
- Croatian
- Czech
- Danish
- Dari
- Dutch
-
English
American King James Version (akjv) American Standard Version (asv) Basic English Bible (basicenglish) Douay Rheims (douayrheims) John Wycliffe Bible (c.1395) (wycliffe) King James Version (kjv) King James Version (1769) with Strongs Numbers and Morphology and CatchWords, including Apocrypha (without glosses) (kjva) Webster's Bible (wb) Weymouth NT (weymouth) William Tyndale Bible (1525/1530) (tyndale) World English Bible (web) Young's Literal Translation (ylt)
- English and Klingon.
- Esperanto
- Estonian
- Finnish
- French
- German
- Gothic
- Greek
- Greek Modern
- Hebrew
- Hungarian
- Italian
- Japanese
- Korean
- Latin
- Latvian
- Lithuanian
- Malagasy
- Malayalam
- Manx Gaelic
- Maori
- Mongolian
- Myanmar Burmse
- Ndebele
- Norwegian bokmal
- Norwegian nynorsk
- Pohnpeian
- Polish
- Portuguese
- Potawatomi
- Romanian
- Russian
- Scottish Gaelic
- Serbian
- Shona
- Slavonic Elizabeth
- Spanish
- Swahili
- Swedish
- Syriac
- Tagalog
- Tausug
- Thai
- Tok Pisin
- Turkish
- Ukrainian
- Uma
- Vietnamese
-
-
Active Persistent Session:
To use a different persistent session key, simply add it above, and click the button below.
How This All Works
Your persistent session key, together with your favourite verse, authenticates you. It links to all your notes and tags in the Bible. You can share it with loved ones so they can see your notes and tags.
However, to modify your notes and tags, you need both the persistent session key and your favourite verse.
Please Keep Your Favourite Verse Private
Your persistent session key and favourite verse provide you exclusive access to edit your notes and tags. Think of your persistent session key as a username and your favourite verse as a password. Therefore, ensure your favourite verse is kept private.
The persistent session key allows viewing, while editing is only possible when the correct favourite verse is provided.
-
Loading...
-
-
Shona Bible (shona - 2.1.1)
2019-01-07Shona (sn)
The Shona Bible that is offered here to you is a work in progress at the time of writing 2013.
- Encoding: UTF-8
- Direction: LTR
- LCSH: Bible.Shona
- Distribution Abbreviation: shona
License
GFDL
Source (OSIS)
http://bibleconsultants.nl/downloads/shona/new-testament-2013/
- history_1.1
- Minor addition to .conf data
- history_2.0
- (2017-08-19) Text updated up until 2013
- history_2.0.1
- (2017-08-23) Minor conf change
- history_2.1
- (2019-01-07) Tool chain update
- history_2.1.1
- (2022-08-06) Fix repeated MinimumVersion in conf file
Basic Hash Usage Explained
At getBible, we've established a robust system to keep our API synchronized with the Crosswire project's modules. Let me explain how this integration works in simple terms.
We source our Bible text directly from the Crosswire modules. To monitor any updates, we generate "hash values" for each chapter, book, and translation. These hash values serve as unique identifiers that change only when the underlying content changes, thereby ensuring a tight integration between getBible and the Crosswire modules.
Every month, an automated process runs for approximately three hours. During this window, we fetch the latest Bible text from the Crosswire modules. Subsequently, we compare the new hash values and the text with the previous ones. Any detected changes trigger updates to both our official getBible hash repository and the Bible API for all affected translations. This system has been operating seamlessly for several years.
Once the updates are complete, any application utilizing our Bible API should monitor the hash values at the chapter, book, or translation level. Spotting a change in these values indicates that they should update their respective systems.
Hash values can change due to various reasons, including textual corrections like adding omitted verses, rectifying spelling errors, or addressing any discrepancies flagged by the publishers maintaining the modules at Crosswire.
The Crosswire initiative, also known as the SWORD Project, is the "source of truth" for getBible. Any modifications in the Crosswire modules get reflected in our API within days, ensuring our users access the most precise and current Bible text. We pledge to uphold this standard as long as getBible exists and our build scripts remain operational.
We're united in our mission to preserve the integrity and authenticity of the Bible text. If you have questions or require additional information, please use our support system. We're here to assist and will respond promptly.
Thank you for your understanding and for being an integral part of the getBible community.
Favourite Verse
You should select one of your favourite verses.
This verse in combination with your session key will be used to authenticate you in the future.
This is currently the active session key.
Should you have another session key from a previous session.
You can add it here to load your previous session.