-
WORD Research this...Mark 2
- 1 Zvino wakapindazve muKapenaume pashure pemazuva; zvikanzwikwa kuti ari mumba.
- 2 Zvino pakarepo vazhinji vakaungana zvekuti pakange pasisina nzvimbo, kunyange pamukova; akataura shoko kwavari.
- 3 Vakauya kwaari, vakauisa wakange akafa mitezo, akatakurwa nevanhu vana.
- 4 Zvino vakati vasingagoni kusvika pedo naye nekuda kwechaunga, vakapfurunyura denga paakange ari, vakati varidzura vakaburusira hwanyanza hwaakange arere pahuri iye wakange akafa mitezo.
- 5 Jesu wakati aona rutendo rwavo akati kune wakange akafa mitezo: Mwana, zvivi zvako zvakanganwirwa kwauri.
- 6 Zvino vamwe vevanyori vakange vagerepo, vakafunga mumoyo yavo vachiti:
- 7 Uyu anotaurirei kunyomba sezvizvi? Ndiani anogona kukanganwira zvivi kunze kweumwe chete, Mwari?
- 8 Zvino pakarepo Jesu achiziva mumweya wake kuti vanofunga saizvozvo mukati mavo wakati kwavari: Munofungirei zvinhu izvi mumoyo yenyu?
- 9 Chii chakareruka zvikuru, kuti kune wakafa mitezo: Zvivi zvako zvakanganwirwa kwauri; kana kuti: Simuka, utore hwanyanza hwako, ufambe?
- 10 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu ane simba panyika rekukanganwira zvivi (akati kune wakange akafa mitezo):
- 11 Ndinoti kwauri: Simuka utore hwanyanza hwako, uende kumba kwako.
- 12 Zvino pakarepo wakasimuka, akatora hwanyanza, ndokubuda pamberi pavo vese; zvekuti vese vakashamisika, vakarumbidza Mwari, vachiti: Hatina kumbozviona zvakadai.
- 13 Wakabudazve parutivi rwegungwa, chaunga chese chikauya kwaari, akavadzidzisa.
- 14 Wakati achipfuura, akaona Revhi waArifiyosi agere paimba yemutero, akati kwaari: Nditevere. Akasimuka akamutevera.
- 15 Zvino zvakaitika agere pakudya mumba make, kuti vateresi vazhinji nevatadzi vakagarawo pamwe naJesu nevadzidzi vake; nokuti vakange vari vazhinji vakamutevera.
- 16 Zvino vanyori neVaFarisi vakati vamuona achidya nevateresi nevatadzi, vakati kuvadzidzi vake: Nemhaka yei achidya nekunwa nevateresi nevatadzi?
- 17 Jesu wakati achizvinzwa akati kwavari: Vatano havadi chiremba, asi vanorwara. Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi mukutendeuka.
- 18 Uye vadzidzi vaJohwani neveVaFarisi vaitsanya; vakauya vakati kwaari: Nemhaka yeyi vadzidzi vaJohwani neveVaFarisi vachitsanya asi vadzidzi venyu havatsanyi?
- 19 Jesu akati kwavari: Vana veimba yemuchato vanogona kutsanya muwani achiri kwavari here? Kana vachingova nemuwani kwavari, havagoni kutsanya;
- 20 asi mazuva achasvika apo muwani achabviswa kwavari, ipapo mumazuva ayo vachatsanya.
- 21 Uye hakuna anosonera chigamba chemucheka usakaunyana panguvo sharu; kana zvikasadaro chinoiswa chinobvaruka kubva pachiri, chitsva kubva pane chakasakara, buri rikanyanya.
- 22 Uye hakuna anodira waini itsva muhombodo sharu; kana zvikasadaro waini itsva inoparusa hombodo, waini ikateuka nehombodo ikaparara; asi waini itsva inofanira kudirwa muhombodo itsva.
- 23 Zvino zvakaitika kuti achigura nemuminda yezviyo nesabata, vadzidzi vake ndokutanga kutanha hura vachifamba.
- 24 VaFarisi ndokuti kwaari: Tarira, vanoitirei nesabata izvo zvisiri pamutemo?
- 25 Iye akati kwavari: Hamuna kutomboverenga here Dhavhidhi zvaakaita, paakange ashaiwa, ava nenzara, iye nevakange vanaye?
- 26 Kuti wakapinda sei mumba maMwari nenguva yaAbhiatari mupristi mukuru, akadya zvingwa zvekuratidza zvakange zvisiri pamutemo kudyiwa, kunze nevapristi, akapawo kwavari vaiva naye?
- 27 Akati kwavari: Sabata rakaitirwa munhu, kwete munhu kuitirwa sabata.
- 28 Naizvozvo Mwanakomana wemunhu ndiIshe kunyange wesabata.
-
King James Version (kjv)
- Afrikaans
- Albanian
- Arabic
- Armenian
- Basque
- Breton
- Calo
- Chamorro
- Cherokee
- Chinese
- Coptic
- Croatian
- Czech
- Danish
- Dari
- Dutch
-
English
American King James Version (akjv) American Standard Version (asv) Basic English Bible (basicenglish) Douay Rheims (douayrheims) John Wycliffe Bible (c.1395) (wycliffe) King James Version (kjv) King James Version (1769) with Strongs Numbers and Morphology and CatchWords, including Apocrypha (without glosses) (kjva) Webster's Bible (wb) Weymouth NT (weymouth) William Tyndale Bible (1525/1530) (tyndale) World English Bible (web) Young's Literal Translation (ylt)
- English and Klingon.
- Esperanto
- Estonian
- Finnish
- French
- German
- Gothic
- Greek
- Greek Modern
- Hebrew
- Hungarian
- Italian
- Japanese
- Korean
- Latin
- Latvian
- Lithuanian
- Malagasy
- Malayalam
- Manx Gaelic
- Maori
- Mongolian
- Myanmar Burmse
- Ndebele
- Norwegian bokmal
- Norwegian nynorsk
- Pohnpeian
- Polish
- Portuguese
- Potawatomi
- Romanian
- Russian
- Scottish Gaelic
- Serbian
- Shona
- Slavonic Elizabeth
- Spanish
- Swahili
- Swedish
- Syriac
- Tagalog
- Tausug
- Thai
- Tok Pisin
- Turkish
- Ukrainian
- Uma
- Vietnamese
-
-
Active Persistent Session:
To use a different persistent session key, simply add it above, and click the button below.
How This All Works
Your persistent session key, together with your favourite verse, authenticates you. It links to all your notes and tags in the Bible. You can share it with loved ones so they can see your notes and tags.
However, to modify your notes and tags, you need both the persistent session key and your favourite verse.
Please Keep Your Favourite Verse Private
Your persistent session key and favourite verse provide you exclusive access to edit your notes and tags. Think of your persistent session key as a username and your favourite verse as a password. Therefore, ensure your favourite verse is kept private.
The persistent session key allows viewing, while editing is only possible when the correct favourite verse is provided.
-
Loading...
-
-
Shona Bible (shona - 2.1.1)
2019-01-07Shona (sn)
The Shona Bible that is offered here to you is a work in progress at the time of writing 2013.
- Encoding: UTF-8
- Direction: LTR
- LCSH: Bible.Shona
- Distribution Abbreviation: shona
License
GFDL
Source (OSIS)
http://bibleconsultants.nl/downloads/shona/new-testament-2013/
- history_1.1
- Minor addition to .conf data
- history_2.0
- (2017-08-19) Text updated up until 2013
- history_2.0.1
- (2017-08-23) Minor conf change
- history_2.1
- (2019-01-07) Tool chain update
- history_2.1.1
- (2022-08-06) Fix repeated MinimumVersion in conf file
Basic Hash Usage Explained
At getBible, we've established a robust system to keep our API synchronized with the Crosswire project's modules. Let me explain how this integration works in simple terms.
We source our Bible text directly from the Crosswire modules. To monitor any updates, we generate "hash values" for each chapter, book, and translation. These hash values serve as unique identifiers that change only when the underlying content changes, thereby ensuring a tight integration between getBible and the Crosswire modules.
Every month, an automated process runs for approximately three hours. During this window, we fetch the latest Bible text from the Crosswire modules. Subsequently, we compare the new hash values and the text with the previous ones. Any detected changes trigger updates to both our official getBible hash repository and the Bible API for all affected translations. This system has been operating seamlessly for several years.
Once the updates are complete, any application utilizing our Bible API should monitor the hash values at the chapter, book, or translation level. Spotting a change in these values indicates that they should update their respective systems.
Hash values can change due to various reasons, including textual corrections like adding omitted verses, rectifying spelling errors, or addressing any discrepancies flagged by the publishers maintaining the modules at Crosswire.
The Crosswire initiative, also known as the SWORD Project, is the "source of truth" for getBible. Any modifications in the Crosswire modules get reflected in our API within days, ensuring our users access the most precise and current Bible text. We pledge to uphold this standard as long as getBible exists and our build scripts remain operational.
We're united in our mission to preserve the integrity and authenticity of the Bible text. If you have questions or require additional information, please use our support system. We're here to assist and will respond promptly.
Thank you for your understanding and for being an integral part of the getBible community.
Favourite Verse
You should select one of your favourite verses.
This verse in combination with your session key will be used to authenticate you in the future.
This is currently the active session key.
Should you have another session key from a previous session.
You can add it here to load your previous session.