-
WORD Research this...Revelation of John 18
- 1 Zvino shure kwezvinhu izvi ndakaona umwe mutumwa achiburuka kubva kudenga, ane simba guru, nyika ndokuvhenekerwa nokubwinya kwake.
- 2 Akadanidzira nesimba nenzwi guru, achiti: Rawa, rawa Bhabhironi guru, uye rava ugaro hwemadhimoni, nejere remweya yese yetsvina, nedendere reshiri dzese dzetsvina dzinovengwa.
- 3 Nokuti marudzi ese akanwa zvewaini yehasha dzeupombwe hwaro, nemadzimambo enyika akaita upombwe naro, nevashambadzi venyika vakafuma nesimba reumbozha hwaro.
- 4 Zvino ndakanzwa rimwe inzwi kubva kudenga richiti: Budai kubva mariri vanhu vangu, kuti murege kuva vagovani vezvivi zvaro, uye kuti murege kugamuchira zvematambudziko aro;
- 5 nokuti zvivi zvaro zvasungana kusvika kudenga, naMwari warangarira zvisakarurama zvaro.
- 6 Muritsive sezvarakakutsivaiwo imwi, muchiripamhidzira kupamhidzira kunoenderana nemabasa aro; mumukombe iwoyo marakasanganisa iro, murisanganisire kakapamhidzirwa.
- 7 Separakazvikudza kudai napo nekurarama muumbozha, murirwadzise nekurishungurudza saizvozvo; nokuti rinoti mumoyo maro: Ndinogara ndiri mambokadzi, uye handisi chirikadzi, uye handingatongooni kuchema.
- 8 Naizvozvo achasvika nezuva rimwe matambudziko aro, rufu nekuchema nenzara; uye richapiswa kwazvo nemoto; nokuti ane simba Ishe Mwari anoritonga.
- 9 Nemadzimambo enyika akaita upombwe nekurarama paumbozha naro acharira pamusoro paro nekuchema pamusoro paro, pavachaona utsi hwekupiswa kwaro;
- 10 vamire kure nekutya kurwadziwa kwaro, vachiti: Nhamo, nhamo, guta guru Bhabhironi, guta rakasimba, nokuti kutongwa kwako kwasvika neawa rimwe.
- 11 Uye vashambadzi venyika vacharira nekuchema pamusoro paro, nokuti hakuchina munhu achatenga zvitengeswa zvavozve;
- 12 zvitengeswa zvegoridhe, nezvesirivheri, nezveibwe rinokosha, nezvemaparera* nezvemucheka wakaisvonaka, nezvine ruvara rwehute, nezvesiriki*, nezvezvitsvuku, nemuti umwe neumwe unonhuhwira, nemarudzi ese emidziyo yenyanga dzenzou, nemarudzi ese emidziyo yematanda anokoshesesa, nezvendarira, nezvedare, nezvemabwe machena;
- 13 nekinamoni*, nezvinonhuhwira, namafuta ekuzora, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira, newaini, nemafuta, neupfu hwakatsetseka, nezviyo, nemombe, nemakwai, nezvemabhiza, nengoro, nenhapwa, nemweya yevanhu.
- 14 Zvino michero yaichiviwa nemoyo wako yakabva kwauri, nezvinhu zvese zvinobwinya nezvinopenya zvabva kwauri, haungatongozviwanizve.
- 15 Vashambadzi vezvinhu izvi, vakafumiswa naro, vachamira kure nekutya kurwadziwa kwaro, vachichema nekurira,
- 16 uye vachiti: Nhamo, nhamo, guta guru, rakange rakapfeka mucheka wakaisvonaka nezvine ruvara rwehute nezvitsvuku, uye rakashongedzwa negoridhe nebwe rinokosha nemaparera!
- 17 Nokuti neawa rimwe fuma huru yakadai yaparadzwa. Uye mufambisi wezvikepe umwe neumwe, nevese vanofamba pamwe muzvikepe, nevafambi vemuchikepe, nevabati vese vepagungwa vakamira kure,
- 18 ndokudanidzira vachiona utsi hwekutsva kwaro, vachiti: Nderipi rakafanana naro guta guru?
- 19 Zvino vakadira guruva pamisoro yavo, ndokudanidzira vachirira nekuchema, vachiti: Nhamo, nhamo, guta guru, maifumiswa nezvinokosha zvaro vese vaiva nezvikepe pagungwa; nokuti rakaparadzwa neawa rimwe.
- 20 Fara pamusoro paro, iwe denga, nemwi vaapositori vatsvene, nevaporofita, nokuti Mwari wakatonga mutongo wenyu kwariri.
- 21 Zvino mutumwa umwe ane simba wakasimudza ibwe rakaita seguyo guru, akaposhera mugungwa, achiti: Saizvozvo nechisimba Bhabhironi guta guru richaposherwa uye harichazotongowanikwizve.
- 22 Nenzwi revaridzi veudimbwa nerevaimbi nerevaridzi venyere nerevaridzi vehwamanda, harichatongonzwikwizve mauri, nemhizha yeumhizha hupi nehupi haichatongowanikwizve mauri, nenzwi reguyo harichatongonzwikwizve mauri;
- 23 uye chiedza chemwenje hachichatongovhenekerizve mauri, nenzwi remuwani neremwenga harichatongonzwikwizve mauri; nokuti vashambadzi vako vaiva vakuru venyika; nokuti neuroyi hwako marudzi ese akatsauswa.
- 24 Zvino mariri makawanikwa ropa revaporofita nerevatsvene, nerevese vakauraiwa panyika.
-
King James Version (kjv)
- Afrikaans
- Albanian
- Arabic
- Armenian
- Basque
- Breton
- Calo
- Chamorro
- Cherokee
- Chinese
- Coptic
- Croatian
- Czech
- Danish
- Dari
- Dutch
-
English
American King James Version (akjv) American Standard Version (asv) Basic English Bible (basicenglish) Douay Rheims (douayrheims) John Wycliffe Bible (c.1395) (wycliffe) King James Version (kjv) King James Version (1769) with Strongs Numbers and Morphology and CatchWords, including Apocrypha (without glosses) (kjva) Webster's Bible (wb) Weymouth NT (weymouth) William Tyndale Bible (1525/1530) (tyndale) World English Bible (web) Young's Literal Translation (ylt)
- English and Klingon.
- Esperanto
- Estonian
- Finnish
- French
- German
- Gothic
- Greek
- Greek Modern
- Hebrew
- Hungarian
- Italian
- Japanese
- Korean
- Latin
- Latvian
- Lithuanian
- Malagasy
- Malayalam
- Manx Gaelic
- Maori
- Mongolian
- Myanmar Burmse
- Ndebele
- Norwegian bokmal
- Norwegian nynorsk
- Pohnpeian
- Polish
- Portuguese
- Potawatomi
- Romanian
- Russian
- Scottish Gaelic
- Serbian
- Shona
- Slavonic Elizabeth
- Spanish
- Swahili
- Swedish
- Syriac
- Tagalog
- Tausug
- Thai
- Tok Pisin
- Turkish
- Ukrainian
- Uma
- Vietnamese
-
-
Active Persistent Session:
To use a different persistent session key, simply add it above, and click the button below.
How This All Works
Your persistent session key, together with your favourite verse, authenticates you. It links to all your notes and tags in the Bible. You can share it with loved ones so they can see your notes and tags.
However, to modify your notes and tags, you need both the persistent session key and your favourite verse.
Please Keep Your Favourite Verse Private
Your persistent session key and favourite verse provide you exclusive access to edit your notes and tags. Think of your persistent session key as a username and your favourite verse as a password. Therefore, ensure your favourite verse is kept private.
The persistent session key allows viewing, while editing is only possible when the correct favourite verse is provided.
-
Loading...
-
-
Shona Bible (shona - 2.1.1)
2019-01-07Shona (sn)
The Shona Bible that is offered here to you is a work in progress at the time of writing 2013.
- Encoding: UTF-8
- Direction: LTR
- LCSH: Bible.Shona
- Distribution Abbreviation: shona
License
GFDL
Source (OSIS)
http://bibleconsultants.nl/downloads/shona/new-testament-2013/
- history_1.1
- Minor addition to .conf data
- history_2.0
- (2017-08-19) Text updated up until 2013
- history_2.0.1
- (2017-08-23) Minor conf change
- history_2.1
- (2019-01-07) Tool chain update
- history_2.1.1
- (2022-08-06) Fix repeated MinimumVersion in conf file
Basic Hash Usage Explained
At getBible, we've established a robust system to keep our API synchronized with the Crosswire project's modules. Let me explain how this integration works in simple terms.
We source our Bible text directly from the Crosswire modules. To monitor any updates, we generate "hash values" for each chapter, book, and translation. These hash values serve as unique identifiers that change only when the underlying content changes, thereby ensuring a tight integration between getBible and the Crosswire modules.
Every month, an automated process runs for approximately three hours. During this window, we fetch the latest Bible text from the Crosswire modules. Subsequently, we compare the new hash values and the text with the previous ones. Any detected changes trigger updates to both our official getBible hash repository and the Bible API for all affected translations. This system has been operating seamlessly for several years.
Once the updates are complete, any application utilizing our Bible API should monitor the hash values at the chapter, book, or translation level. Spotting a change in these values indicates that they should update their respective systems.
Hash values can change due to various reasons, including textual corrections like adding omitted verses, rectifying spelling errors, or addressing any discrepancies flagged by the publishers maintaining the modules at Crosswire.
The Crosswire initiative, also known as the SWORD Project, is the "source of truth" for getBible. Any modifications in the Crosswire modules get reflected in our API within days, ensuring our users access the most precise and current Bible text. We pledge to uphold this standard as long as getBible exists and our build scripts remain operational.
We're united in our mission to preserve the integrity and authenticity of the Bible text. If you have questions or require additional information, please use our support system. We're here to assist and will respond promptly.
Thank you for your understanding and for being an integral part of the getBible community.
Favourite Verse
You should select one of your favourite verses.
This verse in combination with your session key will be used to authenticate you in the future.
This is currently the active session key.
Should you have another session key from a previous session.
You can add it here to load your previous session.